ZimPraise - Baba Ndiri Mwana Wako Lyrics

Baba Ndiri Mwana Wako Lyrics

Baba ndiri mwana wako
Kana ndakatadza
Ndinochema mberi kwako 
Baba ndiregerere

Zvitadzo zvangu zvizhinji
Hazvingaverengwi
Ndinozviisa kwauri
Baba ndiregerere

(Baba ndiregerere...Baba ndiregerere...Baba ndiregerere)

Mirau yako ndakatyora
Iwe ndakuzvidza
Mununuri ndamurasa
Baba ndiregerere

Ndakatadza nokureva
Ndatadza kufunga
Ndakatadza namabasa
Baba ndiregerere

(Baba ndiregerere...Baba ndiregerere...Baba ndiregerere)

Nezvakaipa zvangu zvizhinji Baba ndakatadza
Ndakakunyadzisa iwe, Baba ndiregerere
Uri Mwari unengoni Dzisina kupera
Naizvozvo ndinochema, Baba ndiregerere

(Baba ndiregerere...Baba ndiregerere...Baba ndiregerere)


Baba Ndiri Mwana Wako Video

ZimPraise Songs

Related Songs