Sifa Lyrics

Baba Ndiri Mwana Wako by ZimPraise cover art

ZimPraise - Baba Ndiri Mwana Wako Lyrics

Artist:
ZimPraise
Album:
Hymns Night 4: The Hope of Glory
Official Release:
04 Apr 2021

Lyrics

Baba ndiri mwana wako
Kana ndakatadza
Ndinochema mberi kwako 
Baba ndiregerere


Zvitadzo zvangu zvizhinji
Hazvingaverengwi
Ndinozviisa kwauri
Baba ndiregerere


(Baba ndiregerere...Baba ndiregerere...Baba ndiregerere)


Mirau yako ndakatyora
Iwe ndakuzvidza
Mununuri ndamurasa
Baba ndiregerere


Ndakatadza nokureva
Ndatadza kufunga
Ndakatadza namabasa
Baba ndiregerere


(Baba ndiregerere...Baba ndiregerere...Baba ndiregerere)


Nezvakaipa zvangu zvizhinji Baba ndakatadza
Ndakakunyadzisa iwe, Baba ndiregerere
Uri Mwari unengoni Dzisina kupera
Naizvozvo ndinochema, Baba ndiregerere


(Baba ndiregerere...Baba ndiregerere...Baba ndiregerere)


Video