Sifa Lyrics

Ndiye by Janet Manyowa cover art

Janet Manyowa - Ndiye Lyrics

Artist:
Janet Manyowa
Album:
Nenyasha
Official Release:
20 Mar 2022

Lyrics

Wakaropafadzwa anotenda maari
Mwanakomana waMwari, asina chipomerwa
Akachengeteka anohwanda maari
Anovimba naye mununuri wake
Ndiye zvoshamisa
Nzira dzake dzakarurama
Ndiye ndiye ndiye
Ndiye Alpha Omega
Nguva dzose anotendeka
Ndiye ndiye ndiye


Anotonga narini
Mukufa wakamuka
Agere pachigaro
Kurudyi rwababa
Ane gracia nemutsa
Mwanakomana waDavida
Shumba yerudzirwaJudah
NdiJesu, ane gracia nemutsa
Mwanakomana waDavida
Mwanakomana waDavida
Shumba yerudzirwaJudah
NdiJesu, haakundikani, haakundikani
Zita rake ndiJesu
Haakundikani, haakundikani
Ndiye zvoshamisa
Nzira dzake dzakarurama
Ndiye ndiye ndiye
Ndiye Alpha Omega
Nguva dzose anotendeka
Ndiye ndiye ndiye


Wekutanga (ndiye)
Wekuguma (ndiye)
Anogona (ndiye)
Anerudo (ndiye)
Anorwira (ndiye)
Ndiye ndiye ndiye
Asinganyepi (ndiye)
Asinganeti (ndiye)
Anogona (ndiye)
Anodzikinura (ndiye)
Wakamuka (ndiye)
Ndiye ndiye ndiye
Wekutanga (ndiye)
Wekuguma (ndiye)
Anehany’a (ndiye)
Anengoni (ndiye)
Ndiye ndiye ndiye
Ndiye zvoshamisa
Nzira dzake dzakarurama
Ndiye ndiye ndiye
Ndiye Alpha Omega
Nguva dzose anotendeka
Ndiye ndiye ndiye
Ndiye ndiye ndiye


Wekutanga (ndiye)
Wekuguma (ndiye)
Anogona (ndiye)
Anorwira (ndiye)
Akamuka (ndiye)
Anerudo (ndiye)
Ndiye ndiye ndiye
Ndiye ndiye ndiye
Haakundikani
Ndiye ndiye ndiye
Haakundikani, haakundikani
Zita rake ndiJesu
Haakundikani, haakundikani
Haakundikani, haakundikani
Usarasa tariro, haakundikani
Usamborasa tariro, haakundikani


Video